Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRinotapira Kupfuura Uchi

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neRinotapira Kupfuura Uchi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 15 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 Mapisarema 119:103 Ndima huru

Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

02 Mapisarema 19:10

Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

03 Mapisarema 119:97

Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.

04 Jeremia 15:16

Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.

05 Ezekieri 3:3

Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu.

06 Mapisarema 119:72

Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.

07 Mapisarema 119:127

Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,

08 Mapisarema 119:111

Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.

09 Zvirevo 24:13-14

Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.

10 Mapisarema 19:9-10

Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

11 Mapisarema 119:162

Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.

12 Jobho 23:12

Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13 Mapisarema 119:131

Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.

14 Mapisarema 119:14

Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru.

15 Zvirevo 16:24

Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

Misoro ine chekuita