Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neSimudzai Maoko Enyu
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neSimudzai Maoko Enyu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Simudzai maoko enyu munzvimbo tsvene, murumbidze Jehovha.
Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.
Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.
Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi.
meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera
Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.
Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kwakadzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.
Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga,