Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neFamba muUchenjeri

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neFamba muUchenjeri dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 4:5

Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.

02 VaEfeso 5:15-16

Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

03 Jakobho 1:5

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

04 Zvirevo 4:7

Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

05 VaKorose 1:9-10

Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,

06 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

07 Zvirevo 9:10

“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

08 Jakobho 3:17

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

09 Mapisarema 90:12

Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

10 Zvirevo 2:6

Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

Misoro ine chekuita