Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neVimba, Usazendama
Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neVimba, Usazendama dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;
“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.
Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.