Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChibayiro choKurumbidza

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neChibayiro choKurumbidza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 13:15

Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.

02 Mapisarema 50:23

Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”

03 VaHebheru 13:16

Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.

04 Mapisarema 116:17

Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha.

05 Jona 2:9

Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

06 Mapisarema 27:6

Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

07 Mapisarema 107:22

Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

08 Mapisarema 54:6

Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.

09 Hosea 14:2

Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

10 Mapisarema 141:2

Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.

Misoro ine chekuita