Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuti Mwari Ndiani
Kukumbira kwakadzika kweMagwaro ndekwekuti tizive Mwari pachavo — kwete kungoziva zviri pamusoro pavo chete, asi kuona hunhu hwavo, mazita avo, nenzira dzavo. Kubva muGenesisi kusvika muna Zvakazarurwa, vanozviratidza saMwari mutsvene uye ari pedyo, ane ushe asi ane unyoro, vasingashanduki nezuro, nhasi, nokusingaperi. Ndima idzi dzinounganidza muratidziro weBhaibheri waMwari, kuti uvade sezvavari.
Mwari Baba
Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.
Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.
Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.
Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
Mazita Nezvimiro zvaMwari
Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
Mwari akati kuna Mozisi, “ Ndiri Wandiri. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘ Ndiri ’ andituma kwamuri.”
Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose.
Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’
Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri.
Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.”
Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri.
Ushe Nokuchengeta kwaMwari
Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.
Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu.
Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,
Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?
Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.
Utsvene Nokubwinya kwaMwari
Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.
“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.
“Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi.
Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose, akanga aripo, aripo, uye achazouya.”
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.