Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKubwinya Kwake

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKubwinya Kwake dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 19:1

Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

02 Isaya 6:3

Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”

03 Habhakuki 2:14

Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

04 Mapisarema 96:3

Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

05 Numeri 14:21

Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha,

06 Isaya 42:8

“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

07 VaRoma 11:36

Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

08 Mapisarema 72:19

Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake. Ameni naAmeni.

09 Ekisodho 33:18

Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.”

10 Isaya 40:5

Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”

11 1 Makoronike 16:24

Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.

12 Mapisarema 57:5

Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Sera

Misoro ine chekuita