Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutya Ishe

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutya Ishe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 9:10

“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

02 Zvirevo 1:7

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

03 Mapisarema 111:10

Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

04 Zvirevo 14:27

Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

05 Muparidzi 12:13

Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

06 Zvirevo 19:23

Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.

Misoro ine chekuita