Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neIshe Akafanira
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neIshe Akafanira dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!”
Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.