Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMutsvene, Mutsvene, Mutsvene
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neMutsvene, Mutsvene, Mutsvene dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose, akanga aripo, aripo, uye achazouya.”
Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
“Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
“Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso?
Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.
Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
“Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.
Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, kana kukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”