Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupenya kwaMwari
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupenya kwaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.
Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.
Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.
Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.
Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika. Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.
Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.
“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.