Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neUtsvene hwaMwari

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neUtsvene hwaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Isaya 6:3

Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”

02 1 Petro 1:15-16

Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”

03 Revhitiko 19:2

“Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.

04 Zvakazarurwa 15:4

Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, kana kukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”

05 1 Samueri 2:2

“Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

06 Habhakuki 1:13

Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?

07 Mapisarema 99:5

Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.

08 Ekisodho 15:11

“Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso?

09 Isaya 57:15

Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

Misoro ine chekuita