Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutya Pamberi paMwari
Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutya Pamberi paMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.
Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,