Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Anoita Zvinhu Zvose
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Anoita Zvinhu Zvose dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,
Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.
Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.
Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.
Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.
Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.