Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNguva yaMwari

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neNguva yaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Muparidzi 3:1

Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

02 Muparidzi 3:11

Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

03 VaGaratia 4:4

Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,

04 Habhakuki 2:3

Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

05 Isaya 55:8-9

“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

06 Mapisarema 27:14

Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Misoro ine chekuita