Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuvimba Nokutonga Kwake

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuvimba Nokutonga Kwake dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 16:9

Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

02 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

03 Mapisarema 37:5

Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

04 Jeremia 10:23

Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.

05 Isaya 26:3

Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.

06 Mapisarema 56:3-4

Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?

07 Nahumi 1:7

Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,

08 Mapisarema 9:10

Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

09 Isaya 41:10

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

Misoro ine chekuita