Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Anoona
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Anoona dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.”
Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.
Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”
Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu; ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika, iye anoumba mwoyo yavanhu vose, anofungisisa zvose zvavanoita.
Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
“Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.
Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.
Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.