Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Asingaperi
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Asingaperi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’
Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.
Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri.
Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye matenga ibasa basa ramaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa. Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.
Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.
Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.
Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete.
Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.
Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.