Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neIshe Mufudzi Wedu

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neIshe Mufudzi Wedu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 23:1

Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

02 Johani 10:11

“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.

03 Isaya 40:11

Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.

04 Ezekieri 34:15

Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

05 Mapisarema 100:3

Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.

06 Mapisarema 23:2-3

Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.

07 Johani 10:14

“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,

08 Mapisarema 80:1

Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai

09 1 Petro 2:25

Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.

10 Mapisarema 78:52

Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.

11 Mapisarema 95:7

nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

12 Ruka 15:4-5

“Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana? Uye kana ariwana, anoritakura pamapfudzi ake nomufaro

13 Mika 5:4

Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

Misoro ine chekuita