Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neDombo
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neDombo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.
Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.
“Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.