Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNDINI

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neNDINI dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Ekisodho 3:14

Mwari akati kuna Mozisi, “ Ndiri Wandiri. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘ Ndiri ’ andituma kwamuri.”

02 Johani 8:58

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!”

03 Ekisodho 3:15

Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose.

04 Zvakazarurwa 1:8

“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”

05 Johani 8:12

Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

06 Johani 8:24

Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”

07 Johani 6:35

Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

08 Johani 10:9

Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.

09 Johani 11:25

Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

10 Johani 14:6

Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

11 Johani 15:1

“Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.

12 Zvakazarurwa 1:17

Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira.

13 Zvakazarurwa 22:13

Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.

Misoro ine chekuita