Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMwari Chiedza
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMwari Chiedza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose.
Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya?
Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.
Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima.
Anozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari.
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.