Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMoto Unoparadza
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neMoto Unoparadza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”
Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo.
KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo.
Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki.
Vatadzi vari muZioni vavhundutswa; vasina Mwari vodedera: “Ndianiko pakati pedu angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”
Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.
Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.