Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMambo Asingaperi

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neMambo Asingaperi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Timoti 1:17

Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri.

02 Mapisarema 47:7

Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.

03 Zvakazarurwa 19:16

Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: mambo wamadzimambo naishe wamadzishe

04 Mapisarema 145:13

Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

05 Dhanieri 4:34

Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

06 Mapisarema 93:1-2

Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.

07 Mapisarema 24:7-8

Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde. Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.

08 Jeremia 10:10

Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.

09 Mapisarema 10:16

Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.

10 1 Timoti 6:15

uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.

11 Zekaria 14:9

Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga.

12 Mapisarema 29:10

Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

13 Isaya 6:5

Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”

Misoro ine chekuita