Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neIshe Muporesi Wedu
Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neIshe Muporesi Wedu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose, iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,
Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.
Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
Asi ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.
Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu.
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.
Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.