Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neIshe Anotungamirira Nhambwe Dzedu

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neIshe Anotungamirira Nhambwe Dzedu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 11 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 Zvirevo 20:24 Ndima huru

Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

02 Zvirevo 16:9

Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

03 Mapisarema 37:23

Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;

04 Jeremia 10:23

Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.

05 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

06 Mapisarema 32:8

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.

07 Zvirevo 16:3

Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.

08 Isaya 30:21

Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”

09 Mapisarema 48:14

Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

10 Mapisarema 25:9

Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.

11 Isaya 58:11

Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi.

Misoro ine chekuita