Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutsamira pana Mwari

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutsamira pana Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 15:5

“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

02 2 VaKorinde 12:9

Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.

03 VaFiripi 4:13

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

04 Mapisarema 121:1-2

Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.

05 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

06 Zvirevo 3:5

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;

07 Mapisarema 73:25-26

Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.

08 Isaya 41:10

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

09 2 VaKorinde 3:5

Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.

10 Mapisarema 62:1-2

Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari. Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

11 Jeremia 17:7

“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari.

12 Mapisarema 46:1

Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

13 Mateo 6:33

Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

14 Mapisarema 28:7

Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

15 Johani 15:4

Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.

Misoro ine chekuita