Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuvimba naMwari

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuvimba naMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

02 Mapisarema 37:5

Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

03 Isaya 26:3

Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.

04 Mapisarema 9:10

Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

05 Nahumi 1:7

Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,

06 Mapisarema 56:3

Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.

07 Jeremia 17:7-8

“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”

08 Mapisarema 20:7

Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

09 Mapisarema 118:8

Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

Misoro ine chekuita