Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutenda Kusina Mabasa Kwakafa
Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutenda Kusina Mabasa Kwakafa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
01 Jakobho 2:17
Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
02 Jakobho 2:26
Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
03 Jakobho 2:18
Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
05 Mateo 7:21
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
06 Jakobho 2:24
Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.