Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKufamba Nokutenda
Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKufamba Nokutenda dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.
Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
“Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.