Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChivimbo muna Mwari

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neChivimbo muna Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 1:6

ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.

02 VaHebheru 13:6

Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”

03 Mapisarema 27:1

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya?

04 1 Johani 5:14

Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

05 VaHebheru 4:16

Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

06 Zvirevo 3:26

nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.

07 Mapisarema 118:6

Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

08 VaFiripi 4:13

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

09 2 Timoti 1:12

Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.

Misoro ine chekuita