Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutenda Sekomwana

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutenda Sekomwana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 18:3

Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.

02 Mako 10:15

Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”

03 Mateo 18:4

Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

04 Mapisarema 131:2

Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.

05 Mateo 11:25

Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.

06 Mako 10:14

Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.

Misoro ine chekuita