Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKukurudzira

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKukurudzira dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaTesaronika 5:11

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

02 VaHebheru 10:24

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.

03 VaHebheru 3:13

Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.

04 VaRoma 15:5

Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

05 1 VaTesaronika 5:14

Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.

06 Isaya 41:10

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

07 Dhuteronomi 31:6

Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”

08 VaGaratia 6:9

Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.

09 2 VaKorinde 1:3-4

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

10 Joshua 1:9

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”

11 VaFiripi 4:13

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

12 Mabasa 28:15

Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.

13 2 VaTesaronika 2:16-17

Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.

14 Zvirevo 12:25

Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.

Misoro ine chekuita