Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKubatana

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKubatana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 133:1

Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

02 VaEfeso 4:3

Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.

03 VaFiripi 2:2

ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

04 Johani 17:21

kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.

05 VaKorose 3:14

Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.

06 1 VaKorinde 1:10

Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.

07 VaRoma 15:5-6

Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.

08 VaEfeso 4:4-6

Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.

09 1 VaKorinde 12:13

Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.

10 VaRoma 12:16

Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

11 Mabasa 4:32

Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo.

12 1 Petro 3:8

Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.

13 VaFiripi 1:27

Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,

14 2 VaKorinde 13:11

Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

Misoro ine chekuita