Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuwadzana

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuwadzana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mabasa 2:42

Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.

02 1 Johani 1:7

Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

03 VaHebheru 10:24-25

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

04 Mabasa 2:46

Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,

05 VaFiripi 2:1-2

Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

06 1 Johani 1:3

Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu.

07 1 VaKorinde 1:9

Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.

08 Mabasa 2:44-45

Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.

Misoro ine chekuita