Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neUshamwari

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neUshamwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 17:17

Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana.

02 Zvirevo 18:24

Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.

03 Johani 15:13

Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.

04 Zvirevo 27:9

Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.

05 Muparidzi 4:9-10

Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo: Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza!

06 Zvirevo 27:6

Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.

07 Johani 15:14-15

Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.

08 1 Samueri 18:1

Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye.

09 Zvirevo 13:20

Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

10 Jobho 6:14

“Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.

11 Zvirevo 27:10

Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

12 Zvirevo 22:24-25

Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa, kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.

13 1 VaKorinde 15:33

Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

Misoro ine chekuita