Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuyananisa

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuyananisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 5:9

Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.

02 VaRoma 12:18

Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

03 VaHebheru 12:14

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

04 VaKorose 3:15

Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.

05 Jakobho 3:18

Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Misoro ine chekuita