Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutakurirana Mitoro
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutakurirana Mitoro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.
Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
Farai navanofara; chemai navanochema.
Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.