Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKereke
Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKereke dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi.
Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.
vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.
kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.
Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni.
Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,
Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.
saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.
Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira.
Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.