Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMweya Mutsvene
Mweya ndiMwari pachavo vagere navanhu vavo uye mukati mavo — Mubatsiri wedu, Murayiridzi wedu, chisimbiso chedzikinuro yedu. Anodira rudo rwaMwari mumwoyo medu, anomeresa chibereko chake muupenyu hwedu, uye anopa zvipo kuti kereke ibatsirwe. Ndima idzi dzinokubatsira kugamuchira nokufamba zvakaringana neMweya.
Mweya Mutsvene
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,
Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:
nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.
Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.
Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene,
Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
Chibereko Nezvipo zveMweya
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.
Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.
Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.
Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.