Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupwisa kwoMweya

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupwisa kwoMweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 16:8

Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

02 Johani 16:9-11

pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve; uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.

03 Johani 16:13

Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

04 Tito 3:5

akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

05 Mabasa 2:37

Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”

06 Mabasa 24:25

Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”

07 VaRoma 2:15

Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.

08 VaHebheru 4:12

Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

09 Johani 8:9

Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.

10 1 VaTesaronika 1:5

nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu.

Misoro ine chekuita