Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMweya weChokwadi

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neMweya weChokwadi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 16:13

Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

02 Johani 14:17

iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.

03 Johani 14:26

Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.

04 Johani 15:26

“Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.

05 1 Johani 4:6

Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

06 1 VaKorinde 2:12

Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.

07 Johani 16:14

Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.

Misoro ine chekuita