Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKufamba muMweya
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKufamba muMweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.
Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama, nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.
Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.
Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)