Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutungamirirwa noMweya

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutungamirirwa noMweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 8:14

nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

02 VaRoma 8:16

Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.

03 VaGaratia 5:18

Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.

04 Johani 16:13

Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

05 Mapisarema 143:10

Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

06 VaGaratia 5:25

Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.

07 Isaya 30:21

Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”

08 VaRoma 8:4

kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.

09 Mapisarema 25:4-5

Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu; nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

10 VaRoma 8:5-6

Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

11 Mabasa 8:29

Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”

12 Mabasa 13:2

Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”

13 Mabasa 16:6-7

Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

14 Zvirevo 3:5-6

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

15 Mapisarema 32:8

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Misoro ine chekuita