Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZvipo Zvizhinji, Mweya Mumwe

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neZvipo Zvizhinji, Mweya Mumwe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaKorinde 12:4

Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.

02 1 VaKorinde 12:5-6

Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose.

03 1 VaKorinde 12:11

Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

04 VaEfeso 4:4

Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,

05 VaRoma 12:5

saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

06 1 VaKorinde 12:7

Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

07 VaEfeso 4:7

Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.

08 1 VaKorinde 12:14

Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.

09 VaRoma 12:6

Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.

10 VaEfeso 4:11

Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,

11 1 VaKorinde 12:18

Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

Misoro ine chekuita