Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZvipo zveMweya

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neZvipo zveMweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaKorinde 12:7

Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

02 1 VaKorinde 12:11

Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

03 VaRoma 12:6

Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.

04 1 VaKorinde 12:8-10

Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

05 VaEfeso 4:11-12

Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe

06 1 VaKorinde 12:28

Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.

07 1 Petro 4:10

Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.

08 VaRoma 12:6-8

Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise; kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.

09 1 VaKorinde 14:1

Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.

10 VaHebheru 2:4

Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.

11 VaEfeso 4:7

Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.

12 1 VaKorinde 12:18

Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

Misoro ine chekuita