Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKushandisa Zvipo

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKushandisa Zvipo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Petro 4:10

Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.

02 VaRoma 12:6-7

Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;

03 1 VaKorinde 12:7

Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

04 VaGaratia 5:13

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

05 1 Petro 4:11

Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.

06 VaRoma 12:11

Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

Misoro ine chekuita