Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neShuvirai Zvipo

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neShuvirai Zvipo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaKorinde 14:1

Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.

02 1 VaKorinde 12:31

Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru. Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.

03 1 VaKorinde 14:12

Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.

04 1 VaKorinde 14:39

Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.

05 VaRoma 12:11

Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

06 1 VaKorinde 14:3

Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe.

07 1 VaKorinde 14:5

Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.

08 1 VaKorinde 14:40

Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.

09 1 VaKorinde 14:26

Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.

10 1 Timoti 4:14

Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru.

11 2 Timoti 1:6

Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.

Misoro ine chekuita