Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMusadzima Mweya
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMusadzima Mweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Musadzima moto woMweya;
Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa.
musazvidza zviprofita. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.
“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!
Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo.
Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje,
Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.
Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda?