Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKudzivisa Dhiyabhorosi

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKudzivisa Dhiyabhorosi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Jakobho 4:7

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

02 1 Petro 5:8-9

Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

03 VaEfeso 6:11

Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.

04 2 VaKorinde 2:11

kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

05 Mateo 4:10

Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

06 VaEfeso 6:13

Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.

07 1 Petro 5:9

Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

08 Ruka 4:8

Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”

09 VaEfeso 4:27

uye musapa dhiabhori mukana.

10 1 Johani 4:4

Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

Misoro ine chekuita